Kambwa kaitaura

Paiva nemumwe muchinda aifamba achienda kubhawa.
Akaona imbwa yakaonda akati, “Kambwa aka kakaonda.”
Kambwa kaya kakamuti, “Zvinorovesa izvozvo.”

Akashamiswa kuti imbwa inotaura. Akaenderera mberi nerwendo rwake.

Asvika kubhawa akaudza vanhu vaiva mubhawa kuti aona imbwa inotaura.
Vakamuti handei tinoionawo nekunzwa ichitaura.

Vasvika paya muchinda uya akati, “Kambwa kakaonda aka”.
Kambwa kakamutarisa. Akadzokorora adzokororazve, kaingomutarisa.
Akadaidzisa akati, “KAMBWA AKA KAKAONDA!!”

Hapana chakaitika. Vanhu vaya vakatsamwa vakati,
“Unoda kutamba nesu! Wakamboonepi imbwa inotaura?”

Vakamurova vakabva vaenda.

Imbwa iya ndokubva yati, “Ndambokuudza kuti zvinorovesa!”

6 Replies to “Kambwa kaitaura”

  1. Damn man. Took me like forever to read and interpret this. By the time I got to the punchline, I had to go back over the whole thing again to see how it fit.

  2. What?! Look, I was never good at it to begin with. Also, other than being very handy for a private conversation, it is not very useful. Not like French or Spanish. No translation jobs available given no-one really leaves Zimbabwe without a decent working knowledge of English.

Comments are closed.